kalimah.top
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

moyondizvo – varozvi كلمات اغاني

Loading...

kuwirirana varume imi
aah woyee wohh woyee
pahukama kuwirirana
kuwirirana varume imi
aah woyee wohh woyee
pahukama kuwirirana
pahukama pahukama kuwirirana
[varume woyee]
[aah woyee wohh woyee]
pahukama kuwirirana

varozvi vakuru moyondizvo
varidzi venyika, tisuuu
makurukota amambo huyayi muwungane
goverayi hupfumi hw-ngu
kune wese asina chaainacho
makurukota amambo huyayi muwungane
hondende ayahoo

tasangana pamazambuko
ngwenga ? ropatsanurwa
mirayiro gumi wabuda
wekutanga musatamba nevana vevhu vanopanduka
kunyarara hakusi kupusa
kupfava kwedu, kuvimba nemi
takaridza tsamwa tisati tatuka
panekuzvik-mikidza kuvanhu kuti vave nehutano
makasarudza kupatsanura
makatadza kuremekedza vanhu
mukaisa zvido zvenyu pamberi zvashanduka
dzosa mari yedu
dzosa vana vedu
vese vamakat-torera muzita rehurumende
muchingotinyepera muchiti tinotevera
kusvika kupiko, nyika yamira nemanhede
uri mufudzi asina mombe
uri musoni asina shinda
uri murimi asina munda
asi unotipromisa mu?
takutsvaga maanswer
takuchinja machapter
takuda kutanga patsva
vanhu vakurearranja structure
gore ratakapembera
hataimbofembera kuti tadzva
sezvakangazviri pakutanga
nazvino nakare kose
nemisi isingaperi
isu sevatenderi
mwana asingachemi anofira mutarisiro
hona manje

varozvi vakuru moyondizvo
varidzi venyika, tisuuu
makurukota amambo huyayi muwungane
goverayi hupfumi hw-ngu
kune wese asina chaainacho
makurukota amambo huyayi muwungane
hondende ayahoo

mvana yanga irimuhusungwa
muhuranda hwevasina mabvi
vasina ru? vanavayo
takabvira kare tichibuda misodzi
vakatirwira vakatifira
vakatisunungurira mvana yedu
tikasara tirivaridzi venyika
tichipemberera nzira yavakatigadzirira
kuti tikwanise kuyambuka madziva
asi nhasi makutirova tsoka
hudzvanyarari huya hwadzoka
mawoko enyu atindivara neropa
tamirira rugare tichiti achadzoka
takutarisa k-matenga
kuti mutipe mumwe murenga
zitateguru rematateguru
rakapatsanurawo raro gwenga
rikat-tungamirira tikavaka dzimbadzamabwe
tisu varidzi venyika
hamungat-taurire kuti tisasimudze mureza
nekuti nguva yasvika
kwahi ropa neganda revanhu vatema
nezvidyarwa zvenyika
ndarama nezvese zvakakosha
ndomavara atakapika
hwayi dzarasika mufudzi achiraradza
musat-tonge nehasha munot-tandadza?
makanganwa kuti makawana zviripo nakare
mwari baba ndivo vakatokusarudza
tikatenderera pachigaro chamambo tichiimba hosanna
asi nhasi mat-tambudza
ruremekedzo rukuru rwakawanda kwamuri baba
asizvangazvirikwa ?

kushanda anoshanda nesimbarake
misi nenguva anofumira k-mushando
nyama nemweya zviripamwechete e e
shungu dziri dzekufadza mhuri
hanzi vana vadye vagute
asi muripo wake mushoma
kushanda anoshanda nesimbarake
misi nenguva anofumira k-mushando
nyama nemweya zviripamwechete
shungu dziri dzekufadza mhuri
hanzi vana vadye vagute
asi muripo wake mushoma

varozvi vakuru moyondizvo
varidzi venyika, tisuuu
[ndisu varozvi veduwee]
makurukota amambo huyayi muwungane
goverayi hupfumi hw-ngu
kune wese asina chaainacho
makurukota amambo huyayi muwungane
hondende ayahoo

كلمات أغنية عشوائية

اهم الاغاني لهذا الاسبوع

Loading...