killer t – rovai makuva كلمات اغاني
[intro: k!ller t]
(woye, woye) hot property
natsochecka masettings, marunnings
aya t
[pre_chorus]
pamusoroi vakuru woye
ndauya ndine nyaya yandiinayo
asi dzimwe nguva ndongochema
ndashaya kana badza rekurima
zvikanzi mhaka munoiziva
ende zvinodiwa munozviziva
endai munoti ndiri kuuya
endai munoungana mugare pasi
chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva
kubika doro nechivanhu chacho
zvikanzi vakafa vanoona
nekuti kune zvinhu zvinoyera
[chorus]
vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we
dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
dirai doro pasi murarame vanangu we
yeukai k_mashure kwamakabvawo vanangu we
[verse 1]
vakati itouyai nevakuru venyu
ndivo vanochiziva chivanhu chenyu
enda unovatsvaga vachiri vapenyu
ndivo vanotungamira munzira dzenyu
ndakavati nditumei shoko ndosvitsa
ende mudzimu yako inokutarisa
zvese zvamandituma inini ndoita
kuti vanditungamire kwandinoenda
asi inini vakanditi panodiwa mombe
ende vana sekuru vanoda mukombe
iyi uriwega haungaigone
endai munoungana mutione
[chorus]
vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we
dzosai mudzimu mumusha ikutarireiwo vanangu we
dirai doro pasi murarame vanangu we
yeukai k_mashure kwamakabvawo vanangu we
[pre_chorus]
pamusoroi vakuru woye
ndauya ndine nyaya yandiinayo
asi dzimwe nguva ndongochema
ndashaya kana badza rekurima
zvikanzi mhaka munoiziva
ende zvinodiwa munozviziva
endai munoti ndiri kuuya
endai munoungana mugare pasi
chembere dzekwedu ndidzo dzinoziva
kubika doro nechivanhu chacho
zvikanzi vakafa vanoona
nekuti kune zvinhu zvinoyera
[chorus]
vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we
dzosai mudzimu mumusha menyu ikutarireiwo vanangu we
dirai doro pasi murarame vanangu we
yeukai k_mashure kwamakabvawo vanangu we
[verse 2]
vakati itouyai nevakuru venyu
ndivo vanochiziva chivanhu chenyu
enda unovatsvaga vachiri vapenyu
ndivo vanotungamira munzira dzenyu
ndakavati nditumei shoko ndosvitsa
ende mudzimu yako inokutarisa
zvese zvamandituma inini ndoita
kuti vanditungamire kwandinoenda
asi inini vakanditi panodiwa mombe
ende vana sekuru vanoda mukombe
iyi uriwega haungaigone
endai munoungana mutione
[chorus]
vakanditi rovai makuva vanangu muyambuke vanangu we
dzosai mudzimu mumusha ikutarireiwo vanangu we
dirai doro pasi murarame vanangu we
yeukai k_mashure kwamakabvawo vanangu we
كلمات أغنية عشوائية
- phalair › phalair – intro كلمات اغاني
- dima trofim › dima trofim – cireș de mai كلمات اغاني
- daniel jacob cox › daniel jacob cox – where’s the exit كلمات اغاني
- zemaru › zemaru – pancada كلمات اغاني
- marcoss › marcoss – halloween freestyle كلمات اغاني
- martino › martino – kafa كلمات اغاني
- beloved ghouls › beloved ghouls – terrorized كلمات اغاني
- lisa borud › lisa børud – mamma’n min كلمات اغاني
- die dramatischen vier › die dramatischen vier – mit meinem käppi كلمات اغاني
- nazar › nazar – 12pm كلمات اغاني