kalimah.top
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

jah prayzah – nherera كلمات اغاني

Loading...

yochemera mukati nherera
chabaya moyo chagudukira
murwendo rwayo inenhorowondo

zvakawanda yakaviga mdundundu
yozvibonderesa pasi nherera
chabaya moyo chagudukira
murwendo rwayo inenhorowondo
zvakawanda yakaviga mdundundu

pfuma yenhaka vakagoverana
ndiko kwakava kurova kwehama
hakuna akazoti kwaziwayi
munotamba here makadi

babamunini nyakusara pavana
taiti vachazotinyaradza
hakuna akazoti kwaziwayi
munotamba here makadi

pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro
pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro

misodzi yangu haichina chirevo
ndiro tsime rekufara kwavo
mhere yangu haichina anonzwa
vanongoti ndoyema

misodzi yangu haichina chirevo
ndiro tsime rekufara kwavo
mhere yangu haichina anonzwa
vanongoti ndoyema

ndogogodza vozarura vopopota
ndok_mbira pashomapo vokwindimara
voguta zvasara vorasa nemarara
ndonhongerera, ndonhonga

babamunini nyakusara pavana
taiti vachazotinyaradza
hakuna akazoti kwaziwayi
munotamba here makadii

pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro
pfuma yenhaka vakagovana madiro
pfuma yababa vanga vongoita madiro

babamunini inga mandigumbura
inga mandigona (vakagovana madiro)
madiro
madiro
madiro (vanga vongoita madiro)

babamunini inga mandigumbura
aiwa mandigona (vakagovana madiro)
madiro
madiro
madiro (vanga vongoita madiro)

كلمات أغنية عشوائية

اهم الاغاني لهذا الاسبوع

Loading...