alick macheso – wandirangaridza كلمات اغاني
[verse 1: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
mumhuri nemhuri mukugara, mupasi rose rino
hamushaikwe mumwe anotodzera zvayiitwa nevemudzinza ravo
angave baba, kana sekuru, kana kuti babaminini
[verse 2: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
madzimai mukubarwa mudzimhuri imomo
hamushaikwe mumwe ane zviito zvaanotodzera
vangave amai, vangave tete, kana kuti ambuya
[verse 3: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
munhu nemunhu mukusikwa mupasi rose rino
hamushaye mumwe ane huso hwakafanana nehwake
kana kuti mafambiro, nematauriro, kana masekero
[verse 4: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
vanhu tese mukugarisana nemuhuvakidzani
ngativei tichiwadzana nguva dziri dzose zvadzo
tichisimbisa hukama, hushamwari nehusahwira
uhwo hwakanzi hunokunda hukama
[verse 5: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
chimwe nechimwe mukusikwa naivo mwari, zvakanzi
chizova nenhoroondo nemirangaridzo yacho
apo pachinenge chazosanganidzana nechakada kudaro
[chorus: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
wandirangaridza chegorе riye, wandirangaridza iwe
mudikani wandirangaridza chegorе riye, wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe
[chorus: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe
mudikani wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe
كلمات أغنية عشوائية
- nowisee › nowisee – 会いたい كلمات اغاني
- suvi suresh rahul nambiar › suvi suresh & rahul nambiar – kodaana kodi كلمات اغاني
- rob c › rob c – respect overdue (prod. sound shikari) كلمات اغاني
- gesunokiwamiotome › gesunokiwamiotome – スレッドダンス كلمات اغاني
- cara dillon › cara dillon – jacket so blue كلمات اغاني
- ivan rebroff › ivan rebroff – katjuscha, katjuscha ! كلمات اغاني
- jao feat pedrowl › jão feat. pedrowl – dança pra mim كلمات اغاني
- ali b › ali b – waarheid op straat كلمات اغاني
- lalah hathaway › lalah hathaway – stronger كلمات اغاني
- dgm › dgm – the secret (part ii) كلمات اغاني