kalimah.top
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

alick macheso – wandirangaridza كلمات اغاني

Loading...

[verse 1: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
mumhuri nemhuri mukugara, mupasi rose rino
hamushaikwe mumwe anotodzera zvayiitwa nevemudzinza ravo
angave baba, kana sekuru, kana kuti babaminini

[verse 2: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
madzimai mukubarwa mudzimhuri imomo
hamushaikwe mumwe ane zviito zvaanotodzera
vangave amai, vangave tete, kana kuti ambuya

[verse 3: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
munhu nemunhu mukusikwa mupasi rose rino
hamushaye mumwe ane huso hwakafanana nehwake
kana kuti mafambiro, nematauriro, kana masekero

[verse 4: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
vanhu tese mukugarisana nemuhuvakidzani
ngativei tichiwadzana nguva dziri dzose zvadzo
tichisimbisa hukama, hushamwari nehusahwira
uhwo hwakanzi hunokunda hukama

[verse 5: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
chimwe nechimwe mukusikwa naivo mwari, zvakanzi
chizova nenhoroondo nemirangaridzo yacho
apo pachinenge chazosanganidzana nechakada kudaro
[chorus: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
wandirangaridza chegorе riye, wandirangaridza iwe
mudikani wandirangaridza chegorе riye, wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe

[chorus: al!ck macheso, zhili mumbamulapi & wilson meka]
wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe
mudikani wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe
zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe

كلمات أغنية عشوائية

اهم الاغاني لهذا الاسبوع

Loading...