winky d - amai كلمات أغنية
[intro]
gafa (gafa)
gafa (gafa)
gafa (gafa)
iwe oskid!
[chorus]
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
[verse 1]
chekutanga kudya chandakaisa mukanwa ndimi makapura
kunyangwe mwedzi mipfumbamwe ichiri mimba ndimi makatakura
asi nhasi tabve zera
tava kubuda mugwara ratakaratidzwa nevacho vakatirera (ayaya)
[bridge]
makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana
mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana
misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro w-ngu
ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro w-ngu (mhamha)
[verse 2]
pandinokaganisa kunze uko ruregerero ndimi munotukwa
ndak-mbira muri vapenyu mukadzokera kuivhu munopf-ka
haranga dzandafambidzana nadzo dzose dzog-ya kuti munoshupa
nekuda kwehunhu wandinomboita hobho vari kunyunyuta
vanoona imi pandiri (pandiri mhamha)
vogaira ndizvo zvamuri (zvamuri mhamha)
[chorus]
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
[bridge]
makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana
mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana
misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro w-ngu
ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro w-ngu (mhamha)
[verse 3]
dzimwe nguva ndinoshaiwa rukudzo kunyangwe kune vanhu vakuru
ndakadembedza bhurukwa zvitanda munzeve ndichizviidza bhuru
ndichiti hakuna anonditsiura
pakuziva hakuna anondipfuura
ndichiti ichiripo nguva
kusaziva ndiri kuzvicherera guva
vari kugunun’una nemuzita ramai vati haana kurairwa
ini ndatsvaga pakatadza amai pakurera vana ndapashaiwa
[chorus]
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
[bridge]
makandifundisa yese mirairo kubvira ndiri mwana
mukati patience dzine mubairo kubvira ndiri mwana
misikanzwa yandinoita yese zva zvemusoro w-ngu
ku cheater kwandoita vana vevanhu zva zvemusoro w-ngu (mhamha)
[chorus]
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
mira kutukisa mai, haikona kutukisa mai
كلمات أغنية عشوائية
- just.a.dj - new day كلمات أغنية
- brotha lynch hung - 40 break كلمات أغنية
- merkules - groundhog day كلمات أغنية
- detroit l-o - check in كلمات أغنية
- amalee - gurenge كلمات أغنية
- 11 acorn lane - stay كلمات أغنية
- khala - handouts كلمات أغنية
- beverley knight - hound dog كلمات أغنية
- d'asia simone - wavelength كلمات أغنية
- gog - fogo no pavio كلمات أغنية