soul jah love - kana ndafa كلمات الأغنية
bad company
so so so
ngwendeza
sekutamba sekuseka, musoro uchingo cracker, zvichitoitika
asi ndinozviziva ndichangopepereka nenyika
ndichingofamba zvangu ndichingotendereka
asi ndichataura kuzvisvikira zvajeka
ndaisaziva kuti nhamo ichandicheka
chokwadi vakawanda vachandibuka
asi ngoma ndoramba ndichibika
nekuti varipo vachandisvibisa, vaye vachandichipisa
vanoti zvandaita hazviite
varipo vachati tomusimbisa, asi vamwe vachangondipikisa
asi chandinoda kuzvijekesa, kuzvichenesa
nekuti zvimwe zvacho nevanhu zvinovengesa
saka ndoda kuti
[chorus]
kana ndafa ndoda mugoziva
ndapinda muguva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
apa ndivo futi vatumira mamhepo
vavengi, vavengi
kana ndafa ndapinda muguva
ndoda mugoziva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
wonzi raiva zambuko, riye rava dziva
hada sauro hapana chaanoziva
kana ukaona vachiita kukurava, unoti aiwa uyu anovava
asi ndivo futi vanenge vachikuseka nyangwe mbatya yaukapfeka
asi mangwana zvichiitika nguva dzichifamba
people are dying, soul jah love is crying
yes we keep on trying and i keep on flying
asi chandinoziva kuti mwari vachabuditsa chokwadi
ichokwadi
hapana munhu wenyama anotonga
saka mwari ndovanotonga
nyangwe muchida zvenyu kunditonga
munondiona kunge ndinopenga
ndikataura munoti hapana chinozikanwa
saka ndangoti muzive
kuti inini
[chorus]
kana ndafa ndoda mugoziva
ndapinda muguva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
apa ndivo futi vatumira mamhepo
vavengi, vavengi
kana ndafa ndapinda muguva
ndoda mungoziva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
kungoti chete munhu kana munhu wodonha unoita kunge usina chawaimbogona
ende uchisangana netsaona
mota dzako uchifamba pamwe uchi spinner
eh vachiplanner kutokurova kunge pena
ende pese pawakena vaida kungoona zvinhu zvako zvichi turner
asi iwe uchi entertainer
ende kungoti ndinotemba namwari
ndine faith
ivo vane little faith
saka ndiri k_mberi kwavo
chero vachizviita ndana mwari
mwari kudenga vanoona
ndachema handina chandotya
[chorus]
kana ndafa ndaenda
ndapinda muguva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
apa ndivo futi vatumira mamhepo
vavengi, vavengi
kana ndafa ndapinda muguva
ndoda mungoziva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
chandinoziva munhu wese azvarwa changosara kufa
nyangwe vasina kuona pandai suffer
asi mutumbi w_ngu pamuchaushafa
mozovaudza kuti sauro i gafa
chaingomhanywa chingoma ichi
chingoma ichi
mangoma chinomagona mangoma chibaba!
hapana kuda kuzvininipisa
vamwe vanondichipisa
ndanga ndakuda ku deepisa
paye pamunondiipisa
ndinochigona chibasa ichi
ndicho changu chibasa ichi, chingoma ichi
[chorus]
kana ndafa ndoda mugoziva
ndapinda muguva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
apa ndivo futi vatumira mamhepo
vavengi, vavengi
kana ndafa ndapinda muguva
ndoda mugoziva
zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo, mamhepo
كلمات أغنية عشوائية
- jason cruz and howl - avalanche كلمات الأغنية
- ploomy - хочу быть с тобой (i want to be with you) كلمات الأغنية
- zaia - fly alone كلمات الأغنية
- suisei - the little things كلمات الأغنية
- arena (band) - confession كلمات الأغنية
- wiguez - pray tonight (borne remix) كلمات الأغنية
- nine leaves - reach كلمات الأغنية
- josh rabenold - when you're gone كلمات الأغنية
- unfound reliance - atoma كلمات الأغنية
- g-major - gossip كلمات الأغنية