mark ngwazi - kudzosera mbiri كلمات أغنية
verse
ndoda kumbodzosera mbiri
ndoda kumbodzosera mbiri kune akatisika
ndoda kumbodzosera mbiri
ndoda kumbodzosera mbiri kune akatisika
verse
kuve munhu ifavour yamwari
dai ndaive huku pakaroorwa sisi deliwe dai ndakafa
kuve munhu ifavour yamwari
dai ndaive huku pakaroorwa mai berven dai ndiripi
verse
makaita zvenyu mwari baba nechipo cheupenyu
kupfuma inguva muchatipa
makaita zvenyu mwari baba nechipo cheupenyu
kupfuma inguva muchatipa pamunoda
verse
zvauri nhasi fayamo sandicho chiratidzo
chezvauchava ramangwana, mirira mhinduro
zvauri nhasi chiyedza sandicho chiratidzo
chezvauchava ramangwana, mirira mhinduro
verse
ndikafunga nguva, yandakapedza ndisina kuroorwa ndainge ndakachatarira
ndaingoti dai ndangowana angandipa mwana chete
ukarasiswa nemusikana usape poison haasi gotwe rezimbabwe
tsvaga mumwe musikana
nyangwe ukashaya chekudya, usatengese midziyo
uri kutiza nyoka uchienda mumwena wayo
verse
sezvakaitwa namukoma isau, kutengesa hutangwe nyaya yekukara tunonaka
tuchipera zuva rimwechete
sezvakaitwa namukoma isau, kutengesa hutangwe nekuda kwechidhishi chesupu
mirira nguva
kusakukuridza kwejongwe hakumbofa kwakatadzisa zuva kubuda iwe
vangagare dare muzvikona, hazvimbofa zvakatadzisa kuti upinde machena
chorus
chisoja hachipindwe nehumonya, inyasha dzamwari
mangani mandimba_ndimba ari kudzungaira
chisoja hachipindwe nehumonya, inyasha dzamwari
mangani mandimba_ndimba ari kudzungaira
kufema hakutengwe nemari, inyasha dzamwari
mangani mabhozuwero akatisiya panyika
chorus
kufema hakude ane chikoro, inyasha dzamwari
mangani maengineer akatisiya panyika
kufema hakude ane chikoro, inyasha dzamwari
mangani madhokotera akatisiya panyika
chorus
muchato haupindwe nerunako, inyasha dzamwari
zvingani zvipurunyenye zviri kupinda mumambure
muchato haupindwe nerunako, inyasha dzamwari
zvingani zvipurunyenye zviri kupinda mumambure
verse
inyasha, zvinoda kumirira nguva chete
ukagona kumirira nguva, nguva ndeyamwari
ende uchawana sitendi isingazopwanywe nekanzuru
ukagona kumirira nguva, nguva ndeyamwari
ende uchawana sitendi isingazopwanywe nekanzuru
verse
ukagona kumirira nguva, nguva ndeyamwari
ende uchawana mukadzi asinganyime hama zvekudya
ukagona kumirira nguva, nguva ndeyamwari
ende uchawana pfuma isineyi nemusodzi yevamwe
كلمات أغنية عشوائية
- crescenda- andrea pearson-haas, raucous-5o, raucousbaby - so extra كلمات أغنية
- zealyn - simple كلمات أغنية
- lil smaller - 30,000 feet above كلمات أغنية
- labán (es) - hell is not my nightmare كلمات أغنية
- canny prowess - real life heroes - canny prowess كلمات أغنية
- beny jr - la vida كلمات أغنية
- trineatx - shadow of doubt كلمات أغنية
- nyx - timeout كلمات أغنية
- bob dylan & the grateful dead - all along the watchtower كلمات أغنية
- autobus (banda) - napanga كلمات أغنية